Johani
From Wikipedia
Johani
Izwe rakava munhu
1:1 Pakutanga Izwi rakanga riripo, Izwi rakanga riri Mwari. 2 Irori pakutanga rakanga riri kuna Mwari. 3 Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa. 4 Upenyu hwaiva maari; upenyu hwaiva chiedza chavanhu. 5 Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kugona kuchikunda.
1:6 Kwakanga kune munhu akatumwa na Mwari, zita rake rainzi Johani. 7 Iye akauya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye. 8 Uyu akanga asati ari icho chiedza, asi akatumwa kuti apupurire chiedza. 9 Ichi chaiva ciedza chechokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe, pakusvika kwake panyika.